Ndinzwe Tenzi muwe nemutsa neni; Mununuri Uyai
Mweya wangu unodisa Imwi; Mununuri Uyai
CHORUS
Ndapumhuka kure kumakomo; Ndapumhuka kure nemusha,
Onditorei ndipinzei mudanga Mununuri Uyai
Handinaba nzwimbo yekurara Mununuri Uyai,
Nditarisai Ndawane Upenyu: Mununuri Uyai.
Nzira yangu inondi tambudza, Mununuri Uyai
Ndakatarisira rudo rwenyu, Mununuri Uyai.
Musarase kuzwishora kwangu, Mununuri Uyai.
Mundi nzwe mukunamata kwangu, Mununuri Uyai.