Tichazoonana usu, NaTenzi toonana;
Ndinodisa kumuona Jesu wakandifira.
CHORUS:
Ndichazomuona Tenzi, Iyo mhiri kwedenga;
Tichazoonana naYe, Gare gare kumusha.
Nhasi handisi kum’ona, Basi nge kudawira;
Asi musi unouya, Jesu uchazoonwa.
Tichafara pamwe naye, Urombo hwazopera;
Ne nzira dzaruramiswa, Zvedima zvacheniswa.
Toonana ngerufaro, Kuona nekuziwa;
Iye Mununuri wangu, Jesu unondidisa.