Mambo aripo pam’suwo, Iye wafa pamchinjiko;
Asi unowuya zvino Kutora vake’vo.
CHORUS:
Pamsuwo, Pam’suwo, Pam’suwo, Hunde’po pam’suwo;
Anouya, Anouya, hunde ari pam’suwo.
Zviwoneso zvekuuya, Zvino zviri kuitika;
Toona nekukasika Musi wakanaka.
Musanangise pasi’po, Kuti kusine dambudzo;
Dakara Muponesi’wo Auye pasi’po.
Ndizvo mupasi’po itsva, Tichagara nekugara;
Kufa kuchawa kusafa, Haiperi nguva.