Musha unosimbirwayo
Umo musina urombo
Hunde, wakakomborerwa
Tozorora tese umo
CHORUS
Rinda, rinda wakatiwira,
(rindira)
Rinda, rinda wakatiwira,
(rindira)
Rinda, rinda usingashori
(Rindira) (rindira) (usashore)
Kuti mutoro warema
Uyo wapiwa namwari
Musha uyo unodisa
Rinda, rinda usashore
Kuti nzira inemhinzwa
Funga akayitakura
Kuti mwoyo watambudzwa,
NaIye wakatambudzwa.
Ramba wakatsungirira
Usarege kunamata
Kuzorora kwaswedera
Rinda, rinda usashore