Handisiri ndega kwete ndina Jesu
Anondifadza ini, nokuti aneni
Handizoshayi shamwari ndina Jesu
Ini ndinopinduka, Iye haapinduki
CHORUS
Handisiri ndega ndina Jesu
Watsidza kusandis’ya
Kundisiya ini ndega, ini ndega
Handineti, kwete, ndakamutsamira
Mweya wangu wofara, kuzorora kwa’ri
Handi zvibatsiri, kuti ndiri ndega
Asi ndinaye Jesu, akandichengeta
Hunde ndarindira, Ati ndirindire
Ndashama kuti Tenzi ngenyi Anonoka
Hunde ndinofara Rufaro rukuru
Ndine nheyo yeidi, Iri Tenzi wangu