SDA Shona Hymn 8

Kuti Tenzi anoridza tsuri yekuguma ’Iyo,
Apo nguva yepasi yapera’wo;
Kuti vakanaka vese vanounganidzwa’po
Mazita anodaidzwa, ndiripo.

CHORUS
Mazita anodaidzwa (3 times)
Anodaidzwa kudenga, ndiripo

Pamusi’wo vanomuka vakafa kuna Kristu,
Vanoona mbiri huru yake’yo
Apo vasarudzwi vanosangana kumusha’ko,
Mazita anodaidzwa ndiripo
Ngatibate basa rake kuti rinozopera;
Ngatishumaire rudo rwaMwari
Ndizvo Jesu anouya kutora vanhu vake,
Mazita anodaidzwa ndiripo

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.