Hatina musha panyika
Hatifari kuva pano
Zvinofadza mweya yedu
Kutswaka musha unowuya
Kutswaka musha unowuya
Hatina musha panyika
Tinoda musha ‘rikure
Zita rawo Izioni
Unopenya nguva dzose
Unopenya nguva dzose
Musha une runyararo
Vafambi vachazorora
Da ndine mapapiro
Ndayiuya ndizorore
Ndayiuya ndizorore
Mweya wangu chinyarara!
Mwari anoziva nguva
Ndichaita kuda kwake
Iye ondipa zororo
Iye ondipa zororo