Handizokusiyi iwe
Handizokurambiba
Ndinozokutungamira
Pamusana petsitsi
Usatyeba chakaipa
Tora mazano angu
Apo mhepo yakubata
Ndidane m’munamato
Ndichakugumbatira iwe
Ndikutungamirire
Ndicharuramisa nzira yako
Muzviyedzozvo
Kuti denga rapenya
Kose, kose kwajeka
Rufaro rwozoyerera
Zvino zvose zvofara
Ini ndinozova newe
Ndinokutungamira
Kana mwoyo wa’ne dima
Wazara kupokana
Ndinozokujekesera
Nemukati memhute
Mureza mureza
Ini ndinozousimudza