Da’Dzira Hondo, mhandu yapetyo, Sim’dza mureza waTenzi
Pfeka chishangu, Simbayi mese, Simbirayi painzwi rake
CHORUS
Vakani simudzayi mureza
Gadzirira, nyeweranayi
Enda mberi, Daidza Hosana!
Kristu m’tungamiri wehondo
Farayi mukumbane nemhandu, Idi rinokurirazve
Chishangu nemureza zvipenye, Tichakurira, hatitadzi
O Mwari wevese chitinzwayi, Tibatsireyi netsitsi
Hondo yazopera, takurira, Tingazopfekawo zviremba