Ndakamuona pamuti,
M’kurwadzwa neropa
Akanditarisa ini
Ndakamira petyo
Ini handizokanganwi
Kutarisa kwake
Kwakati afira ini
Iye anyerere
A’tarisazwe akati,
Ndok’regerera
Ropa rapararira’we,
Ndafa kut’upone
Rufo rwenyu rwapangidza
Kuipa kwangu
Kuwandikai kwe tsitsi,
Dzinosunungura