Salvation Army Hymn 168

Jesu ndinokudai, muri ‘ye wangu,
Ndinosiya zvose nokuda kwenyu;
Muri Mununuri, Mponisi wangu,
Ndinokudai Jesu, ndokuda zvino.
1.
Ndinokudai nokuti makandida,
Matenga rudzikinuro paK’vhari;
Ndinokudai makapfekedzwa minzwa.
Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
2.
Ndinokudai muupenyu, nomurufu;
Ndokurumbidzai nokusingaperi;
Nomusi wokufa ndichazoimba;
Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
3.
Mazambara orufaro ikoko,
Ndichazonamata pasuo hwenyu;
Ndichazoimba nengundu pamhanza;
Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
4.
William Ralph Featherstone

JESU ‘SHE ANONDIDA NARINHI

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.