Salvation Army Hymn 80

Come With Me, Visit Calvary
Uyai, tishanyire
Gomo reKarivhari;
Pane tsime rizere
Ropa roM’ponisi;
Kubva kuzvakaipa
Anotinunura,
Zve, anovachengeta
Vanomutevera.
1.
Anoponisa kwazvo,
Anoponisa kwazvo,
Tendai zvino,
Torai rudo,
Anoponisa kwazvo.
Ruponiso rwaMwari
Zvino mungapiwe,
Rudzikinuro rwedi;
Mungarugam’chire;
Uyai nokutenda
Kuti mugam’chidzwe,
Tarisai kudenga
Kuti mumuzive.
2.

Kuda kwake ndoita,
Zvino ndozvipira;
Iye wonditsvenisa,
Naye ndozadziswa,
Ndotenda ndaponiswa,
Wandikomborera;
Mweya wake wauya,
Mwoyo wangu mutsva.
3.
Ndinarwo runyararo,
Ndinarwo rufaro,
Ndinarwo ruzororo,
Ndinarwo rukundo,
Anondipa upfumi
Husingaverengwe;
Zvinoshamisa sei,
Mwari ngaakudzwe!
4.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.