Ngirozi dzokudenga,
Dzakaimba usiku,
Makomo akatinhira,
Norufaro kunaShe.
1.
Ru------mbidzo
Kuna Mwari kudenga.
Ru------mbidzo
Kuna Mwari kudenga.
Vafudzi mafadzwa nei?
Nziyo idzi ndedzei?
Chiedza maonepi?
Mazwi maanzwa kupi?
2.
Uyai Bheterehema;
Dzakadaro ngirozi,
Muzomupfugamira,
Kristu, Ishe wazvarwa.
3.
Akarinzwa muzamba,
Ngirozi dzomukudza,
Maria naJosefa,
Tokudza Ishe navo.
4.