Christians Awake
Mukaiwo maKristu, Kwaedza,
Muponisi wepasi wazvarwa!
Simukai rumbidzai rudo
Rwakaimbwa nengirozi dzose;
Rufaro rwemazwi okutanga,
Emhandara noMwana waMwari.
1.
Vafudzi vairinda vakanzwa
Mazwi ayo ngirozi, ichiti:
Ndozivisa kuzvarwa kwaIshe
Kwamuri nokumarudzi ose;
Mwari wazadzisa chivimbiso
Nhasi M’ponisi, Kristu, wazvarwa!
2.
Ngatirangarirei mumwoyo,
Mwari wakanunura marudzi!
Tsvakai Mwana wakatinunura,
Kubva muzamba, kumuchinjikwa;
Famba munhanho, nengoni dzake,
Dakara tive sepakutanga!
3.
Ngatifarisewo sengirozi
Tiimbe rumbo rwokununurwa:
Uyo wazvarwa zuva ranhasi
Achiratidza kubwinya kwake,
Watiponisa toimba nziyo,
Dzisingagume kunaMambo wedu
4.