Ndiani muKristu?
Abatire Ishe?
Ndiani anoda
Kuwana vamwe?
Ndiani wosiya
Zvinhu zvenyika?
Ndiani muKritsu,
Anomurwira?
1.
Nom’towo waIshe,
Nomutsa wake,
Tiri vashandiri
VaKristu Ishe.
Hatide kukudzwa,
Kana nokugadzwa;
Asi, tasarudza
Nzira yokurwa,
Nom’towo wokuda,
Vaakafira,
Waanodaidza,
Anomurwira.
2.
Jesu matitenga
Pasina ndarama;
Asi ropa renyu
Ratinunura.
Gomborero renyu
Rotizadzisa,
Nemi tinobvuma
Tasunungurwa.
3.
Kurwa naSatani
Ndiko kukukutu;
Asi ichakunda
Hondo yaKristu.
Pasi pomureza
Tiri kurwira,
Neizwi raJesu
Tinozokunda.
4.
Tenzi, tichengetei
Nendoni dzenyu,
Kuti tigorwira
‘She, tiri venyu.