Salvation Army Hymn 128

I’m Set Apart For Jesus
Ndakasarudzwa naJesu,
Kuti ndive wake;
Iye upenyu hwangu,
Ndanzwa rudo rwake,
Ndakatsaukaniswa,
Mukuipa kwose,
Zvose ndinozvipira
Kuna Mwari, Ishe.
1.
Ndasarudzwa naJesu,
Anondichengeta;
Ndomupa mwoyo wangu
Anoushambidza.
Hatitsaukaniswe,
Tiri mumwechete,
Nokuti ndiri wake,
Ari wangu, Iye.
2.

Ndasarudzwa naJesu,
Naye ndigogara;
Anondisunungura,
Mhandu anotanda;
Anondipa masimba,
Mukuedzwa kwose;
Naye nokuzvipira,
Ndingakunde nyika.
3.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.