Makore andakaparadza,
Ndisina hanya naShe wangu;
Ndisingazive wandifira,
PaKarivhari.
1.
Tsitsi zhinji nengoni dzake,
Dzaakandipawo pachena;
Mweya wangu wasunungurwa
PaKarivhari
Neshoko raMwari ndoziva
Murau wenyu wandatyora;
Mweya wangu wonyengetera
PaKarivhari.
2.
Ndopira zvose kuna Jesu,
Ndamugam’chira saShe wangu,
Mweya wopemberera, woimba,
PaKarivhari.
3.
Norudo rwake taponiswa!
Nengoni dzatiburukira!
Wakave zambuko reduwo,
PaKarivhari.
4.
M’PONISI WAKANDITSVAGA