Inzwa dama revhangeri
Kristu wafa pamuti;
Hova dzetsitsi izhinji,
Ngoni zve dzepachena;
Zvino m’tadzi, zvino m’tadzi,
Ona wakakufira.
1.
Kunero gomo, mhanyira,
Wana bako maari;
‘She wokukoka kutsime,
Uyawo ushambidzwe;
Kurumidza, kurumidza,
Uya kwaari zvino.
2.
Ngoni dziri kuyerera,
Zviuru zvakapiwa;
Dzichayerera narinhi,
Kubva padivi raShe;
Hapana kufa, Hapana!
Kristu wakatifira.
3.
Kristu, ‘She, mugove wedu,
Tosangana kudenga;
Tichashamba mugungwaro
Rudo rwoMuponisi;
Utsvene hwake, Utsvene hwake,
Tichagarohuziva.
4.
Henry Frances