When Peace Like A River
1. Kana nzira yangu ino rugare,
Kana zvisuwo zviripo,
Panzvimbo dzose makandidzidzisa
Kuti zvakanaka mumwoyo.
Rugare mumwoyo
(pamidza)
Runyararo mumwoyo wangu.
2. Kunyangwe satani achindinetsa,
Ndiyeuke dzose nguva;
Kristu anoziva zvandinoshaya,
Akandiparadzira ropa.
3. Kristu muri wangu, noupenyu hwangu
Kana ndasvika pakufa,
Handichazotya nokuti ipapo,
Rugare rwenyu muchandipa.
4. Ishe, togarira kuuya kwenyu,
Patichaenda kudenga;
Zvofadza sei kunzwa izwi raShe,
Richipa mwoyo kuzorora.