Salvation Army Hymn 300

Hark ! Hark My Soul

1. Mweya wangu, inzwa rwiyo rwokurwa

Munyika ’yo nomumisha yedu;

Idi rinorehwa nenziyo idzo,

Dzehondo apo chivi chakundwa
Hondo yoruponiso, hondo yaMwari,

Inofamba kukunda neropa nomoto,

Inofamba kukunda neropa nomoto.

2. Toenda, nyika ichanzwa kuimba

Uyai, Jesu anokudanai,

Dzigonzwika pane rima rezvivi,

Dzotungamira vose kumusha.
3. Kure sokuriridza kunofadza,

Tichatuma rukoko rwengoni,

Varasiki vose vachapfugama;

Vachizvipira kwamuri, Ishe

4. Kunyangwe kurwa kuve kwakaoma



Usiku hwezvivi huchapfuura

Tinozokunda tawana vatadzi,

Ushe hwasatani hwaparadzwa.

alt. George Scott Railton



I’M A Soldier Bound For Glory;

1. Ndiri uto roM’ponisi,

Ndinoenda kudenga;

Tererai shoko rangu,

Uyai vadikanwa.



Ndinomuda Muponisi


Ndinomuda ndodaro,


Ndinomuda wandifira,

Jesu anondidawo.
2. Ndokuudza chikonzero
Chakandiita uto :

Rudo rwoM’ponisi wangu
Rwandikunda mumwoyo.
3. Pakutanga kwangu kurwa,
Vakati : achatiza;

Asi vakakanganisa,

Ndicharamba ndichirwa.





4. Ndinoshamisa vazhinji;

Musanduri ndiMwari,

Zvino ndinomurumbidza
Nokuti muyamuri.

5. Pakusvika kwangu ini

Pakurova rwokufa,

Ndoyambuka ndichiimba :
Hareruya ! ndakunda
















1.
Ridzai mhere,
Murwire Ishe,
Mureza waShe,
Simutsai.
Pakati zvombo
Tsungai mose,
Vimbai nezwi
Rake dzvene.
Simutsai mureza waIshe

Paridzai shoko rake
Fambai mberi mumurumbidze

Mutungamiri ndi ye Ishe.
2. Tofamba mberi,
Kurwisa mhandu,
Tichazokunda
Mukurwa;
Mureza wedu
Wopenya kwazvo,
Muchokwadi
Hatingakundwe.
3. Mwari wavose,
Tinzwe todana
Mutiyamure
Nengoni;
Kurwa kwapera,
Isu takunda,
Tipfeke ngundu
Mberi kwenyu.










1. Tambanudza mureza,

Namavara awo;

Anoyevedza kwazvo,

Pamberi pavose.

Shoko nderoupenyu,
Rakabva kudenga;

Shoko roruponiso,
Utsvene norudo.


2. Simutsai mureza
Muna dzose nyika;

Woshevedza vashingi

Nengoni dzaMwari.



Ruponisi rwopiwa



Kuvatadzi vose;
Kumarudzi
Nokusingapere.
epasi,









3. Tomira pasi pawo,



Nengoni dzaJesu.



Murudo rwoutsvene,
Toshamba muropa.



Hondo yoruponiso!



Madanwa kundorwa;

Musanete mukurwa,

Mugadze Kristu ’She.




PAMUREZA?



1.
Unganidzire zviri pamureza?
Ushora, noutsvuku;
Nohwedenga, namavara ahwo,
Hune shoko reidi.

Simudzira mureza weHondo,


Weropa, nomoto:


Simudzira mureza weHondo,


Unoudza ruponiso.

2.
Utsvuku, ruponiso rwaMwari,
Nokufa kwake Kritsu;
Achifira vemarudzi ose,
Pakayerera ropa.
3.
Ushora, chiratidzo choMweya,
Chezuva rePendekositi;
Akauya nokutikumbira,
Titsvake varasiki.


4. Hwedenga, kududzira utsvene,


Kutsveniswa kuchivi ;

Hasha, kuzvida, nezvepanyika
Zvisagara matiri.








1. Uto rinoenda kundorwa,

Ramba uri m’nhanho.

Usasarire mumashure,

Ramba uri m’nhanho.

Rwendo rurefu rwakaoma,
Njodzi zhinji dzingakutyise;

Utsungirire usatyiswa


Urambe uri m’nhanho.








Ramba uri m’nhanho,



Ramba uri m’nhanho,



Usazorore zvishoma,


Tevera Jesu uch ifara,

Ramba uri m’nhanho

Ramba uri m’nhanho


Uchiwana nzira yave nyore

Ukaramba uri munhanho







2. Uto rega kuva nokutya,
Ramba uri m’nhanho


Tevera Jesu nokufarisa;

Ramba uri m’nhanho.
Famba nechivindi mukurwa,
Mukurwa usadzoke shure,
Vimba naJesu ndiye nhowo;
Chiramba uri m’nhanho.




1. Uyai, ngatiendei kundorwa,

Jesu wotiyamura kukunda;


Torwira Kristu, zvivi torwisa

Tiri Hondo yoRuponiso inoenda.


Inoenda, inoenda


Hondo yoRuponiso inoenda


Mauto aJesu muve nesimba,


Tiri Hondo yoRuponiso inoenda.

2. Uyai ngatikunde vavengi,

Nyika ichapiwa kuM’ponisi’

Tine vavengi, asi tokunda

Tiri Hondo yoRuponiso inoenda.

3. Uyai ticharamba tichirwa,
Tinozovimbika kumureza;
Tichaimba nezvekuponiswa,
Tiri Hondo yoRuponiso inoenda.

3. Uto rinorwira Ishe,
Ramba uri m’nhanho;
Sungira nhowo nebakatwa,
Ramba uri m’nhanho.
Famba mberi, Ishe wodaro,
Wakananga chokwadi, mira.
Enda kunyika yechipikirwa,
Urambe uri m’mhanho




4. Uyai, regai kunonoka;
Nguva yokurwa inopfuura,
Kurwa kwotyisa asi, tokunda,
Tiri Hondo yoRuponiso inoenda.


















1. Jesu, norufaro ini ndoimba :



Mununuri wangu, mambo nehama;


Muri wangu chose; zvino ndopira


Upenyu nazvose kwamuri moga.




Zvose ndozvipira, kana zvishoma.



Upenyu nenguva, zvitorei Jesu



Zvose ndozvipira, kana zvishoma


Upenyu nenguva, zvitorei Jesu.










2. Ndinozove murwi, nokurwisana.


Nokuipa kwose, idi kurwira;



Jesu ndiyamurei kutsungirira,
Kuti ndibatsire varasika.











3. Ndichave mufambi, ndisina kutya,


Pane nhano dzenyu ndichatevera;

Pane nzira duku, wotungamira,
Kana kune rima kune’ro zuva.








Gladys M Taylor





We’re A Band That Shall Conquer

1. Naishe tokunda vavengi,
Torwa nesimba roM’ponisi;
Nepfumo roMweya waMwari
Towanira Jesu vatadzi
Ndotenda, tokunda,

Tikarwa nesimba raIshe.

2. Taikunda nezita rake
Vavengi vedu vakatiza;
Ticharamba tichirwira ’She
Tinorwa nepfumo roMweya.
3. Muvengi wedu ane simba,
Kurwa kuchave kukukutu;
Asi Mambo achanunura,
Mukurwa ari pedyo nesu.

4. Tinorwa muzita raMambo
Mureza weHondo womiswa;
Torwira Mwari nenduramo,
Ushe hwasatan’ huchakundwa.
5. Tichavimbika kuna Mwari,
Ticharwa muzita raIshe’
Tokunda nomoto neropa,
Towanira ’She nyika dzose.



NDINOFADZWA NOM’CHINJIKWA






1. Ndinofadzwa noM’chinjikwa


WaKristu, nguva dzose;


Chiedza chenyaya tsvene


Chiri pam’soro pawo










2. Kana ndowirwa nenhamo,


Tariro yondinzvenga,



M’chinjikwa haundirase,
Wopenya norugare.










3. Kana zuva richipenya,


Kupa mwenje panzira,


NoM’chinjikwa wopenyawo


Kuwedzera chiedza.










4. Dambudzo kana rufaro,
Zvonatswa noM’chinjikwa;


Rugare rusina mwero,


Ndorwangu misi yose.









5. Ndinoudzwa nguva dzose,


NoM’chinjikwa waKristu;


Chiedza chenyaya tsvene

Chiri pam’soro pake.

























1. Amai nevana,

Vauya kuna Jesu,

Vadzidzi vavadzivira


Vachiti : ibvai.

Asi Jesu ane tsitsi,

Akanyemwerera oti :

Regai vauye vana vadiki.
2. Ndichavagam’chira,
Nokuvafungatira;
Ndichava mufudzi wavo,
Musavarambidze!
Kana vazvipa kwandiri
Vogara neni kudenga;
Regai vauye vana vadiki.
3. Ishe wakapfava
Wakavaropafadza;
Asi zviuru zvavana
Havati vamunzwa;
Havana Bhaibheri rake,
Havazive mazwi ake;
Regai vauye vana vadiki.



4. Tinodisa kwazvo
Kuti marudzi ose,
Asiye zvifananidzo
Vanamate Ishe.
Muvavhenekere, Mwari,
Norudo rwenyu kwavari,
Ngavadzidziswe vauye kwamuri.

William Medlen Hutchings






1. Baba, tinoteurira
Vana vamakapa ;
Toendepi, tatambudzwa?
Kuna ’She wedenga.




2. Hativakumbirire, ’She,
Upfumi hwenyika;
Asi muzita renyu, ’She
Vawane upenyu.

3. Vapeiwo ngoni dzoMweya,
Mwoyo itsveniswe;
Mberi kwenyu vagomira
Vaone zvamuri.
















1. Ishe, tinokurumbidzai

Nemwoyo yedu yose;

Namakomborero enyu

Totenda misi yose.

Panguva ino tofara,

Toziva muri pedyo,

Vabereki vanopira

Uyu mwana kwamuri.

2. Ishe, tinoti vapiwe

Masimba noungwaru;

Unyoro nokunzwisisa,

Pakumurera mwana.

Mhiko dzavo dzisimbiswe,

Narinhi pachokwadi;

Pakukura kwake mwana,
Achazodzitevera.
3. Norudo rwakamukomba,
Zvive mugove wake;

Tichazomunamatira,
Murufaro, mukutya.
Mweya wenyu uburuke,
Achipirwa kwamuri;
Muchengetei kune zvivi,
Muzadzei namasimba.

Marjorie Davies











1. Jesu muri munyoro,



1. Jesu makapfava,

Ndiri mwana muduku;



Torai mwana,
Mundiitire tsitsi,




Mumunyaradzise
Ngandiuye kwamuri.




Makapfava;







Nokumuchengeta,
2. Ndinoda kuva nemi




Ngaazorore.
’She, musandidzivise;




Akabatwa nemi
Muumambo hwengoni



Akomborerwe.
Ipai nzvimbo kwandiri.

3. Gwayana rakapfava



Ndichengetei nomutsa;



Ndiite sezvamuri,


Garai mumwoyo mangu.









2.
Jesu munorudo,

Dzivirai mwana,

Dzinotityisa.

Asi pane zvose,

Tinonamata ;

Mubisei kuzvivi,

Afambe nemi.
3. ’She, Jesu Mutsvene,
Ivai nomwana;
Muumambo hwenyu
Ngaavepowo.
Apo achikura,
Ngaave wenyu’
Mutungamirirei
Upenyu hwake.

Flora Larsson



This Child We Dedicate




1. Tinopira uyu mwana

Kwamuri Mwari womutsa;
Mudzivirirei kumhandu,
Mupei upenyu hurefu


2. Mweya wenyu, umuraye,
Nezvinokufadzai, Ishe;
Runako, nduramo ne’di
Zvitungamire izvi.


3. Isuwo, ’She, tiri venyu;
Kana tiri kure nemi,
Tidzorerei kuna Baba
Mutichengete panzira.




nokunjodzi dzose




1.
Jesu anoda tivhenekere


Sekamwenje kanopfuta murima;



Munyika yerima ngativheneke,


Iwe uri pako, neni pangu

2. Jesu anoda timupenyere,


Anoziva kana mwenje wodzima


Anotarisa kana tichipenya,

Iwe uri pako, neni pangu.


3. Jesu anoda tivhenekere


Panyika pane marima mazhinji;

Zvivi, nokusuwa, ngativheneke,


Iwe uri pako, neni pangu.


(e) DZEVECHIDIKI
JESU, ’SHE KUDENGA




1. Jesu, ’She, kudenga,

Tipeiwo nzeve;

Tokupfugamirai



Tinzwe vaduku.

2. Noutsvene hwenyu.

Mambo wedenga;

Muchatinzwa isu,
Tokurumbidzai.

3. Tibvisei muzvivi



Zuva nezuva;




Bisai zvakaipa



Kuti tikudei.




4. Tipeiwo masimba



Tichiri pasi;




Ngatipire zvose



Kukushandirai.



5. Kana wotidana



Uko kudenga;
Tichazopindira :
Ishe, touya.







1. Jesu wandida ini !

Rinodaro Bhaibheri;

Nevadiki ndevake,

Achavapa masimba.


Jesu wandida !


Jesu wandida !


Jesu wandida !

Rodaro Bhaibheri.
2. Jesu wakandifira,
Nokuzarura denga;
Wondishambidza zvivi;


Mwana wake ndipinde.

3. Jesu wondida !

Wogara pedyo neni;

Ndikamuda, ndozofa,

Wonditora kudenga.



JESU WATI NDIVE M’RANZI







1. Jesu wati ndive m’ranzi,

Ndimuvhenekere,


Ndimufadze nguva dzose,

Nakwose kwandiri.




Muranzi, muranzi,


Jesu wati ndive m’ranzi,


Muranzi, muranzi


Ndive muranzi wake.


2. Jesu wati ndide vose,


Netsitsi kwavari;


Ndivaratidze kufara,


Muuduku hwangu.



3. Ndokumbira, Jesu, kuti

Mwoyo usatadze;


Ndigarofunga zvitsvene,

Ndimuvhenekere.


4. Ndichave mwenje waJesu,

Kana ndichiedzwa;
Ndoshanda nguva nenguva,
Ndozogara naye.
Nellie Talbolt.



When He Cometh
1. Kana Iye achiuya
Kutora zva’noda
Zvinhu zvake zvinokosha,
Vadiwa vake.

Senyeredzi dzechiedza,


Dzepangundu yake,


Vachapenyesa chose,


KeDenga kwake.
2. Achatora zvinokosha
Kuumambo hwake;
Vakachena vanobwinya,
Vadiwa wake.
3. Vana vose, vanomuda
Mununuri wavo
Ndivo vana vakakosha,
Vadiwa vake.
KANA NDOVERENGA NYAYA’YO



YEKARE






I Think When I Read












1. Kana ndoverenga nyaya’yo yekare,

Apo Jesu ari panyika;



Paakashevedza vana sehwayana

Ndaidisisa kuve navo.



Ndaidawo kubatwa pamusoro,

Ruoko rwake rwaindibata,
Ndingadai ndamunzwawo achiti
Regai vaduku vauye.



2. Pasi pechigaro chake ndonamata;
Ndokumbira rudo rwake,

Kana ndamutsvaka neidi panyika
Ndichamuona kudenga’ko

Kunzvimbo tsvene yaakanogadzira
Yavose vakaregererwa;

Vana vazhinji vachaungana’ko
Ndohwavo ushe kwokudenga.





3. Kune zviuru zvavo vakarasika,


Vasakambodzwa zvokudenga;
Ndinoda vazive kuti kune nzvimbo,
Kuti Jesu anovadana.


Ndinoshuwa rufaro rwenguva iyo,
Kufara kusingataurike,

Kwavachauya vana vendudzi dzose.
Vacharopafadzwa maari.


There’s A Path That’s Sometimes


Thorny



1. Iripo nzira yeminzwa ,

Nhete yakati tasa;

Inonzi nzira yebasa,

Inoenda kuDenga.

Tichafamba munzira ’yo

Towana zvinodiwa

Ndidzo tsitsi dziri pedyo

NdiMwari anotipa.
Nenzira yebasa,
Dzayerera ngoni dzaMwari;

Nenzira yebasa,
Dzayerera ngoni dzaMwari.


2. Ndiyo nzira youtsvene,


Rufaro norugare.

Kunyange ine matombo

Upenyu hwezvinetso,

Asi nzira ’yo yebasa

Yakafambwa naTenzi,

Norudo tunoratidza

Nzira ’yo kuna Mwari.
3. Ngatifambe na’yo nzira

Totarisa kuzuva,

Totakura nhamo dzedu,

Zvipedzwe zvatangiswa.

Tsime rengoni dzaMwari

Riripo panzira ’yo

Tinganwe tisimbaradzwe


Kutakura mitoro.


UCHIRI’YE MUDUKU, YEUKA MUSIKI




















1. Uchiri ’ye muduku, yeuka Musiki;


Utsvake ruponiso, akutungamire;


Upenyu hune nzira dzinorasikisa


Kubva kunzira tsvene neyokururama.



2. Zvakanaka kutsvaka uchiri muduku,


Usati mwoyo wako watsvaka zverima;

Chokwadi, chakaipa chinotsaura


Kubva kwaari, iye anotinunura.



3. Misi yezvakaipa sei yauya,


Rufaro mukuipa pakare rwopera,

Zvipire kuna Jesu akutungamire,

Gam’chira Muponisi uende kudenga.
VANA VEJERUSAREM’




1.
Vana veJerusarema

Vakarumbidza Jesu;

Navo venguva dzino,
Ngavaimbire Ishe.
Inzwai mazwi evaduku !

Inzwai mazwi evaduku !

I Hosana ! I Hosana !
I Hosana kunaShe.

2.
Todzidza kuda Ishe,

Todzidza shoko rake;

Todzidza zvokudenga,

Ngaarumbidzwe Mwari.

3.
Vakuru navaduku,

Ngavaimbire Ishe

Vasimudzire mazwi,

Hosana nokudenga.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.