1. Mwari wochengeta mauto,
Tichave vakundi narinhi;
Hondo yezvivi yosangana ,
Tine chokwadi kukunda,
Vanoedza kutikunda
Tichiri kungorwisa,
Mureza uchapepera,
Hatichazokundika.
Kwete, hatizokundika narinhi,
Kwete, kwete, kwete, kwete,
Kwete hatizokundika narinhi,
Ticharwira rukundo mazuva ose
2. Tichatevera Muponisi,
Hondo yezvivi ichatiza;
Varwi havazotyi rarinhi,
Vakatsungirira kukunda;
Pautsvene nedenga,
Hatife takabva
Ticharamba tichingorwa,
Hatichazokundika .
3. Namatama oruponiso,
Toenda kumarudzi ose;
Noruponiso ruzere
Tichandoparidzira,
Tichabvarura satani
Towanira ’She nyika,
Tova vakundi narinhi,
Hatidzokeri shure.