1.
Makore mazhinji zhinji ehondo panyika,
Mureza unoonekwa panokundwa pose;
Pasi pawo tichirwira zvose zvinokosha,
Muzita raMwari, mureza ngaupepere.
Pasi pomureza ticharwa, hatinete,
Mwari woponisa neropa nemoto.
2. Mureza unotaurwa zvihuru zvenguva,
Nyaya yavazvarwa patsva pasi pomuseza;
Vakarwa nasatani vakawana mikombe,
Namavanga avo, asimukundi ndiMwari.
3. Ndiri pasi pawo, ini ndakapira mhiko,
Mwari ndakavimbisa kuti ndive uto;
Kana warira mumhanzi ndichave
ndakunda
Moto, ropa noutsvene zvichandinunura.
4. Mureza unosimudzirwa kundudzi dzose,
Gadzirira hondo yako nouyu mureza;
Kurwisa rima rezvivi kusvikira zuva
Topeta mureza umambo hwako hwouya.