1. Kundorwa ! kundorwa! Tadanwa
nemhere;
Ngatiende tose, kana tisingatye;
Onai zviuru zvavo varasiki,
Ndiani woenda nezita raIshe?
Irwai! Irwai !
Irwai ! Irwai !
Nemoto neRopa;
Hatichaneta,
Dakara asvike Jesu.
2. Kundorwa ! Kundorwa ! ndovapiko
varwi?
Anodaidza kuti murwe ndiMwari;
Kunyange hondo yemhandu ichityisa,
Mauto aJesu vanozokunda.
3. Kundorwa! Kundorwa! Inoridzwa
Mhere;
Ndiani anouya kurwira Ishe?
Mwari achatipa masimba makuru,
Ndiani worwa musimba reJesu
4. Kundorwa ! Kundorwa ! munhu wose
inzwai !
Yamura vanofa tsvaka varasika;
Vakadavira kare vanofarisa,
Voimba :nesu toenda kundorwa.
M. Stark