1.
Ndichifunga nezvenyaya,
Kukundika nenhamo;
Matambudzo noupofu,
Zvabva mukusatenda!
Kazhinji ndakundika
Nokuti handitendi.
Rwakadzikisa, rwakakurisa,
Tinochemera rutendo rwa’She.
2. Ndingashame kukundika?
Ngingashame ndichiwa?
Ndaikunda norutendo
Dai ndakatendeka;
Ndichinge ndapererwa,
Simba rake rokunda
3. Kungoni dzisingagume,
Ndononokei’ko?
Kusimba risingagume,
Ndoreva zvangu zvose,
Pfuma yose yedenga
Norutendo ndezvangu.
4. Hungu, ’She, ndichavimbika,
Ndogara murutendo,
Ndichiziva muri pedyo,
Mondiita ndikunde;
Jesu kana muripo,
Handizotyi narinhi.