1. Mwari, Baba, ndatsauka
Kubva kumusha, murima;
Ndidzidzise kutaura:
Kuda kwenyu ngakuitwe!
2. Muchida upenyu hwangu,
Ndohwenyu, hausi hwangu;
Ndodzorera zvenyu, Jesu:
Kuda kwenyu ngakuitwe!
3. Chirwere chikaparadza
Upenyu hwangu panyika,
Ndichazoti kuna Baba:
Kuda kwenyu ngakuitwe!
4. Ropafadza mwoyo, Ishe,
Tumira Mweya Mutsvene,
Ndovimba nemi nazvose:
Kuda kwenyu ngakuitwe!
5. Kuda kwangu kuvandudzwe,
Kuti nokwenyu kunzwane,
Bisa zvisingayamure:
Kuda kwenyu ngakuitwe!