O Father And Creator
O Baba, noMusiki
Worudo rutsvene,
Uyai makazara
Burukai kudenga
Makapa mwana wenyu
Kuti andifire.
Ndinokupfugamirai,
Zvose ndokupirai.
1.
O Kristu, Mununuri,
Zvose makandipa,
Neropa renyu, Ishe,
Kundisunungura.
Ndidzidzisei kukupai
Muviri nepfungwa;
Muuye norunako
Kuzadzisa mwoyo wangu.
2.
Naye Mweya M’tsvene,
Murovese hana!
Mandiri uyai mugare
Mundisimbaradze.
Mwenje uchivheneka,
Nzira yooneswa;
Garai, O Mweya M’nyoro,
Ndive nechokwadi.
3.