Ndinoshuva kunyeperwa
Shoko rakanakawo;
NderaJesu, Muchengeti,
Wakauya kunesu.
Wanga achidana vana,
Wavachingamidzawo;
Wavambunda nomufaro,
Nokufungatirawo.
Waisibetsera vose,
Nyange navachenawo,
Navarwere waipodza,
Waida vatadziwo.
Waifadza vanhu vose,
Havazati vakatya;
Wavakanganwire mhaka,
Nomufaro wavapa!