Ndinokumirirai,
ISHE, ndoterera,
Muumbi wakanaka,
Sevhu mundikanyei.
KOROSI
Umbai SHE kuda kwenyu,
Mundikanyei Mwari wangu.
Ndibate muruoko,
Rworudo rwenyu, SHE,
Ndipwanye, ndinatse-i,
Ndigobatiremi.
Nyorai mumwoyo mangu
Kunaka kwenyu SHE,
Ndigotodzana kwazvo
Mufiri Jesu SHE.