Ndiani kudenga ’ko,
Unogwadamirwa’ po?
KOROSI
Ndiye SHE wesimba rose,
Ndiye SHE wavanhu vose;
Ngatimugwadamirei,
SHE wavashe tikudzei!
Ndiani musango ’mo,
Wozvinyima kudya ’po?
Ndiani wochemawo
Pakavigwa Razaro?
Ndiani kumunda ’ko,
Unonyengetera’po?
Napachinjikanowo,
Ndiani wofira’ po?
Ndiani womukazve,
Unotipa rugare?
Ndiani kudenga ’ko,
Unobata ushe’ po?