Jesu, SHE wangu, chi’chamakatadza?
Ndivo vavengi vakamuparadza!
Nderipi ngava ranga ramubaya,
Nokuuraya?
Neminzwa vakamurukira hata,
Pachiso chenyu vamupfira mate;
Vakamurova, vakamupa nhamo
Pachinjikano.
Jesu, hakuna zvamakamboisva,
Bva zvivi zvangu zvakamuripidza;
Imi mapiwa nokutadza kwangu
Musengwa wangu.
Imi, Mufudzi, manzwa zvinovava
Makwai agozobuda mumangava;
Kwafira Tenzi, ndokuzorarama.
Isu varanda!