Methodist Shona Hymn 202

wouya, wouya, Mucheki mukuru,
Vanhu vachaona Ishe wokudenga;
Vanogozomutswa vari kumakuva,
Kuti vaonekwe vose pakachena.

Mucheki ndiJesu wakatambudzika,
Kuti vaponiswe norudo rwababa,
Avo vakamuda havachatongiswa
Nokuti vamire naIshe wedenga.

Asi vasingadi kunzwa dama rake,
Rokuti vadzoke pane chakaipa,
Vakatozvikona pamberi poM’cheki
Vakatozvipinza pakutambudzika.

Ngatidzoke tose pakuipa kwedu,
Tinzwe izwi rake, tinamate tose,
Ishe ari pano anotsvaka iwe,
Inguva nazvino, uya ugam’chire.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.