Methodist Shona Hymn 96

wandiitirei Jesu?
ona! waburuka denga,
wasiya umambo uko
Kuti ndive muupenyu.

   Ndiye Jesu! Ndiye Jesu!
   Mununuri ano rudo,
   Anondipa nhaka uko,
   Kune nzvimbo inopenya.


Wakandiitireizve
Wandibvisa mukutadza
Wakawana chinhu here?
Kwete! wakauraiwa.

Aripiko Jesu zvino?
Wakakwira pakudenga,
Achazodzoka kakare
Noumambo nokubwinya.

Ndinomuda Jesu here?
Hongu! Ndinomudisisa!
Ndichamuona pachake
Narini ndimurumbidze.

Tingamuzive seiko?
Dzokai mumutevere,
Haarambe munhu kwete
Chimbidzai mumugam’chire.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.