Methodist Shona Hymn 35

Vafudzi vebetrehem
Vaigara musango,
Vakaona ngirozi
Yakauya ichiti:
   Musatye! Ndauya norufaro
   Rwavanhu vose!

Mazvarirwa Muponisi,
zita rake ndiye Jesu;
Endai mumuone
Muimba yezvipfuwo.

Kwakauya vazhinji
Veboka rokudenga,
Namazwi erumbidzo
Voimba pamwe chete;
   Tererai mazwi avatumwa
   Vanorumbidza:

Ngaarumbidzwe kumsoro,
Mwari mambo wokudenga,
Rugare panyika
Pane vaanofarira.

Nhasi tinonyeverwa
Ayo mazwi ekare;
Ngirozi hatione
Asi tine chokwadi
   Wazvarwa mumwoyo yedu,
   Mwana waMwari,

Tinorumbidza norudo
Kristu Ishe Muponisi,
Rugare panyika
Nokusingapere.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.