Methodist Shona Hymn 272

Vaduku vakaimba
Hozana! Hozana!
MuTemberi rekare
Vakaimba rwiyo;
Kuna Jesu Shamwari,
waivada kwazvo,
Vaduku vakaimba
Nziyo dzinofadza.

Vakamuperekedza
Pamwe navazhinji
Vachiimba zvikuru
Nokupemberera.
Ngirozi dzakaimba
Pamwe chete navo;
Hozana wokudenga;
Mwari ngaakudzwe.

Mashizha akanaka
Akawaridzwapo,
Maungira erwiyo
Akanzwikwa kose.
She wedenga nepasi
wakatasva dhongi,
Asingashore vana
Vakamuimbira.

Hozana wokudenga!
Tinoimba navo,
Jesu M’ponisi wedu,
Mambo wokudenga.
Ngatiimbire Jesu
Nomwoyo namazwi,
Tigare nokufara
Nokusingapere.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.