Methodist Shona Hymn 302

Uyai, vanhu, tiimbe
Rwiyo rwapamasutso;
zviyo zvose zvachekwa,
Takakohwa muminda;
Jehovha wakatipa
zvose zvatinoshaya;
Uyai kumba yake,
Ngatimukurumbidze.

Tiri munda waMwari,
Anotsvaka kwatiri
zviyo zvakanakisa
zvibve mumwoyo yedu;
Mapumhuri nehura,
Shure kwezvo zvoibva,
Ishe tinoda kuva
zviyo zvakanakisa.

Nokuti Mwari wedu
Achauya kucheka,
Achapisa nomoto
Sawi rose romunda;
Achatuma kumunda
Nhume dzake dzedenga
Kuzoisa zvokudya
Mudura rake guru.

Nazvino uyai She
Kohwai zviyo zvenyu;
Kukurai vatendi,
Vabvisei muzvivi;
Muvatsvenise chose
Vave mudura renyu;
Uyai nengirozi,
Uyai, Ishe Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.