Methodist Shona Hymn 303

Hongu, Mwari wakanaka;
Panyika napamakungwa
Kuna mazwi anorira
Kuti Mwari wakanaka.

Nero zuva rovheneka
Rofuka pasi nechedza,
Nenyenyedzi dzenge dzoti:
Idi Mwari wakanaka.

Neshiriwo dzinorira
Nemvura yomunhuruka,
Nomwando wofefetera,
zvoti: Mwari wakanaka.

Ndinozvinzwawo nemhepo,
Pamwe nomo mumakomo,
Nechadenga chotaura,
zvoti: Mwari wakanaka.

zvose zvisikwa zvodaro;
Takasikwa naNyadenga;
Nomunhuwo arumbidze,
Ati: Mwari wakanaka,

Nezvi zvipo zvenyu Ishe,
zvikuru kudya kwedenga
Kwengoni neshoko zvoti,
Titi: Mwari wakanaka.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.