Methodist Shona Hymn 304

Tinokutendai baba
Nemvura yamunotipa
Inokudza mbeu dzedu,
Tinokohwa nokufara.

Panguva yomunhuruka
Tinorima minda yedu,
Tichidyara mbeu dzose
Dzinochengwa nemi baba.

Dakara nguva isvike
zvose zvaibva muminda,
Tigokohwa zvakawanda
Mapfunde, zvose nezviyo.

Tinokuomberai baba
Norudo rwenyu rukuru
Ruripo rini narini
Kumazuva namakore.

Uyai vanhu tiimbe
Rwiyo rwokukudza baba
Titende zvipo zvikuru
zvatakakohwa muminda.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.