Methodist Shona Hymn 301

Tinoirima minda.
Tinodyara mbeu,
Asi dzose dzinokudzwa
Nesimba raMwari;
Anozvituma zvose
zvokukudza mbeu,
Mhepo pamwe nezuva,
Mvura yakanaka.

   zvose zvatinazvo
   zvobva kuna Mwari;
   Ngativonge Ishe wedu
   Tivongere rudo.


Ndiye Musiki bedzi
wazvo zvose zvinhu,
Anoshongedza nyika
Namaruva ose.
Mhepo yamuterera,
Anodyisa shiri,
zvikuru nokwatiri
Anotipa kudya.

Tinovongera zvose
zvinotinakira,
Kudyara nokukohwa,
Noupenyu hwedu.
Torai zvatinopa
Tichivonga kwazvo;
Gam’chirai nengoni
Mwoyo yedu tose.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.