Methodist Shona Hymn 300

Ishe baba titarirei,
Nedzo tsitsi dzenyu,
Isu tese tasangana
Tiri mberi kwenyu.

Inzwai kuchema kwedu
Tinosuwa kwazvo;
onai kushaya kwedu
Tiitirei tsitsi.

Nyika yose yakaoma
Nokuoma uku,
Heyi mhuri ine nzara
zvose zvinopera.

Tiitirei tsitsi She
Tinovimba nemi;
Tokumbira mvura zvino
Kunyorozva pasi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.