Methodist Shona Hymn 247

Tiyamurei nengoni
Pakuteurira vamwe
Votoisa mberi kwenyu,
Ishe wedu wakanaka.

Tokuteurai Ishe
Kuti mutonge, mubate
Chechi yenyu tsvene kwose
Ifambe munzira yenyu.

Ishe, tinoteurira
Vaparidzi, vadzidzisi,
Kuti muvavhenekere
Vazivise izwi renyu.

Tokuteurai Ishe
Kuti nokugara kwavo
Napakudzidzisa kwavo
Vazarure izwi renyu.

Ishe, tinoteurira
Vose vanhu venyu kuti
Varinzwe, variterere
Izwi renyu nokurida.

Ishe tinoteurira
Ivavo vakanyengedzwa,
Muvadzorere munzira
Yorudo nezvirokwazvo.

Tokuteurai Ishe
Musimbise vakaneta
Muyamure vanoedza
Mubate vose nengoni.

Jesu makareva kare,
Anokumbira wopiwa;
Tiitirei She zvino,
Sezvakafanera isu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.