Methodist Shona Hymn 244

Tivhenekerei
Chiedza chavanhu;
Nezwi rakanyorwa
Tiratidzwe imi-

Kuti vana venyu
Vadzidze nenyasha,
Nokunanganidza
Muuso hwaMwari.

Tumai kwatiri
Mweya woupenyu,
Kuti titunhidze
zita renyu chete;

zarurai nzeve,
Pfungwa dzitsigiswe,
Kuti vana vanzwe
zvinhu zvakaitwa.

Tireverei, She,
Titaure zvenyu;
Nezve shoko renyu
Tigodzidzisawo;

Hwayana dzizive
Izwi roMufudzi,
Dzigomutevera
Dzifare murudo.

Garai matiri
Tikutodzei She
Mudiwe, mukudzwe,
Mushandirwe nesu ...

Kuti nzira dzedu
Dzidzidzise vana
Kutevera imi
Nayo mwoyo yose.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.