Methodist Shona Hymn 102

Tirimo munzira yenyika yo’penyu
Kumusha wavanhu vari parufaro.
Imi makatsauka nokutadzira She
Munoenda here, ikoko kudenga?

   Munoenda here? Munoenda here?
   Munoenda here, ikoko kudenga?


Kusuwa, kusuwa, hakungambovako
Mune iyo nyika igere vatsvene.
Vafambi panhamu, pane chakaipa,
Munoenda here, ikoko kudenga?

Ikoko hakuna urombo zvokwadi
Ipfuma nepfuma izere ikoko;
Chirwere hakuna? Kwete hakunaba
Munoenda here, ikoko kudenga?

Fambai vatendi, nyika’yo ndeyedu,
Tinozopupura runako ruriko;
Hongu tichafamba pamsoro pegomo
Tichazonwa mvura yo’faro kudenga.

Funga iwe m’tadzi, haunakuraswa,
Tomira chinguva, timirire iwe;
Uya kuna Ishe anokugam’chira,
Akuise zvino ikoko kudenga.

Ndinoziva kuti uri pakurema
Uchiti ndiyani angakuyamure,
Pamhosva irimo mukati memwoyo
Ndiye Jesu chete, teura kwaari,
   Ndoenda, ndoenda, ndoenda, ndoenda,
   Hongu, ndinoenda ndinange kudenga.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.