Methodist Shona Hymn 43

Tinouya madzimambo,
Touya nezvipo zvedu;
Tabva kumasowi, tichitevera nyenyedzi.

   O! Nyenyedzi yousiku
   Inopenyera Mambo;
   Titungamire tione mwenje wakanakisa.


Wakazvarwa Mambo wedu,
Ndinomupa ngundu yake;
Mambo wedu nguva dzose anozotitonga.

Ndinopa zvinonhuhwira
Chiratidzo choumambo
Vanhu vose murumbidze Ishe wokudenga.

Mura yangu inoreva
Noupenyu hwokusuwa;
Kurwadza, nyatwa, kufa nokuvigwa muguva.

Honaika, wakamuka,
Mambo, Mwari, Muponisi,
Rumbidzai vanhu vose, pamwe nengirozi.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.