Methodist Shona Hymn 228

Tichiri vapenyu,
Tichionanazve;
Ngaakurumbidzwe Jesu
Nadzo ngoni dzake.

Takachengeterwa
Ruponiso pano;
Ngatikurumbidze Jesu
Tiri mberi kwake.

Takaona nyatwa,
Pamwe namadzudzo;
Takarwisana nokutya,
Chingotasangana.

Jesu muna zvose
wakatiburitsa;
Nesimba rorudo rwake
wotivhumbamira.

Ngatidade naye
Naro simba rake,
Simba rotiponisisa,
Tisazotadzazve.

zvino ngatitore
Muchinjikwa wake,
Tirase zvose zvenyika,
Timuwane Jesu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.