Methodist Shona Hymn 127

Sezva ndiri, ndinouya
Ndisina chandakanatsa,
Asi ndimi mandidana,
Ndinouya Ishe.

Handinonoke kubviswa
zvitadzo zvandakaita,
Kwamuri munochenisa
Ndinouya Ishe.

Kunyange ndodzungaidzwa
Namadzudzo omumwoyo.
Ndichinzwa kurwa nokutya
Ndinouya Ishe.

Murombo, bofu razvidzwa,
Ndichapona nemi chose,
Ndichapfumiswa kwamuri,
Ndinouya Ishe,

Munozondiregerera
Ndigam’chirwe, ndicheniswe,
Nokuti ndokubvumai
Ndinouya Ishe.

Rudo runondishamisa
Rwakakunda chakaipa;
Kuti ndive wenyu chose
Ndinouya Ishe.

Nenzira yorudo rwenyu
Kuzorunzwa zvakakwana
Pano zvino nokudenga,
Ndinouya Ishe

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.