Methodist Shona Hymn 175

Sedera, mweya wangu.
Uya kuna She wangu,
Uya sezva wakaita.
Usanange panorufu,
Sedera, mweya wangu.

zvicheme, mweya wangu,
zvose zvitadzo zvangu;
zvakaipa zvinonyadza,
Asi ini ndichinazvo,
zvicheme mweya wangu.

Namata mweya wangu,
Uya kuMununuri;
Daidza iwe kuna She
Anonzwa iye kudenga;
Namata, mweya wangu.

Vimbazve, mweya wangu,
Tenda kuna She wangu;
wakambouya panyika
Kuti ndiende kudenga;
Vimbazve, mweya wangu.

Pembera, mweya wangu
Pano M’ponisi wangu;
wakauya kundifira,
Ndakaregererwa naye;
Pembera, mweya wangu.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.