Methodist Shona Hymn 174

Rudo runopfuura kuziva
Ndipei irworwo;
Rudo ngaruzadze mwoyo wangu,
Rudo rwaShe Jesu.

   Urwu rudo rwakaoneswa
   NaJesu Kristu, M’ponisi wangu,
   Urwu rudo ruve mandiri,
   Ndizadziswe norudo.


Kunyange ndichinzwisisa zvose,
Ndisinarwo rudo,
Kunyange ndinokutenda kwose,
Handisiri chinhu.

Kunyange ndagovera varombo
zvose zvandinazvo
Ndikabvumira kuti ndipiswe,
Handiwane chinhu.

Rudo runo mwoyo murefuwo,
Rudo rune tsitsi,
Harutsamwe, haruite shanje,
Haruna manyawi.

Rudo haruzvitsvakire zvarwo,
Harunazve shura,
Harufarire kusarurama.
Asi idi chete.

Rudo rune tariro pazvose,
Runotenda zvose,
Rudo runoshirira pazvose,
Harutongopere.

Kutenda, netariro, norudo,
Ndizvo zvinogara.
Asi chikuru pakati pazvo
Ndirwo urwu rudo.

Hymn Details

One thought on “Hymn 174

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.