Methodist Shona Hymn 176

Jesu Mambo worugare
Ngatibvumirane nemi;
Revai shoko mupedze
Nharo nako kupesana.

zvose zvinokanganisa,
Nezvo zvinowanzonetsa,
Ngazviraswe kure zvose
zvigokundwa nokudana.

Uchenye, nokutsutsumwa,
Nezvinotsamwisa zvose,
zvigobviswa, zvipedziswe
Nokuregerera kwenyu.

Itai kuti tidane,
Takapfava, tine tsitsi,
Pakufunga, napamazwi,
Tive semi, Ishe wedu.

Titakudzane mitoro,
Tinzwirane, tiyam’rane,
Tiratidze vose vanhu
Mugariro waMaKristu.

Tichenjerere kudada,
Ngatifambe norukudzo;
Nomu udzame hworudo,
Nourefu hwoutsvene.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.