Methodist Shona Hymn 31

Rumbidzai vanhu mose!
zvirumbidze, zvinhu zvose!
Nhasi musi wokukudza.
Nhasi musi worufaro.

Mununuri watozvarwa,
Ngoni dzake dzaratidzwa,
Nhasi nguva yakodzera
Izuva roruponiso.

Haana ku’ya nehasha
wakativinga netsitsi,
wakauya kutifira,
Fambisai idzi nhau.

Jesu anoti kwatiri:
Dzidzisai ndudzi dzose,
Dziuye dzose kwandiri,
Ndinemi mazuva ose.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.