Methodist Shona Hymn 166

Nyange ndiri murombo
Mwari anondichenga
Anondipa zvokudya
Anondifukidzawo.

Kana ndichiteura
Anonzwa nguva dzose;
Kana ndichikotsira
Haasiyane neni.

Mubati wokudenga
wakazviita rombe
Nenzira yangu ini
Kuti andikuputse.

Kana ndiri mubasa
Anondikomborera;
Kuzoti ndabva pano
Ndichazorora naye.

zvino ndinomukudza
Nokutenda kwaari;
Uko kufara kwangu
Ndachengetwa naMwari.

Hymn Details

One thought on “Hymn 166

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.